Micah 5

Mutongi akavimbiswa kubva kuBheterehema

1Unganidza mauto ako, iwe guta ramauto,
nokuti takombwa nomuvengi.
Vacharova mutongi waIsraeri
netsvimbo padama.
2“Asi iwe, Bheterehema Efurata,
kunyange uri muduku pakati pamarudzi aJudha,
kwauri kuchandibudira mumwe
achava mutongi pamusoro peIsraeri,
mavambo ake ndeakare kare,
kubva pamazuva akare kare.”

3Naizvozvo Israeri achasiyiwa
kusvikira panguva iyo, iye anorwadziwa azvara
uye hama dzake dzose
dzadzoka kuzobatana navaIsraeri.

4Achamira agofudza boka rake
musimba raJehovha,
muukuru hwezita raJehovha Mwari wake.
Uye vachagara norugare,
nokuti ipapo kukura kwake kuchasvika kumagumo enyika.
5Uye iye achava rugare rwavo.

Kudzikinurwa noKuparadzwa

MuAsiria paacharwisa nyika yedu
agofamba achipfuura nomunhare dzedu,
tichamumutsira vafudzi vanomwe
kuti vamurwise kunyange vatungamiri vasere vavanhu.
6Vachatonga nyika yeAsiria nomunondo,
nyika yaNimurodhi nomunondo wakavhomorwa.
Achatirwira kubva kumuAsiria
paachapinda munyika yedu
nokupinda pamiganhu yedu.

7Vakasara vaJakobho vachava
pakati pamarudzi akawanda,
sedova rinobva kuna Jehovha,
sokunaya kwemvura pauswa,
zvisingamiriri munhu
kana kugaririra vanhu.
8Vakasara vaJakobho vachava pakati pendudzi,
pakati poruzhinji rwamarudzi,
seshumba pakati pezvikara zvesango,
seshumba duku pakati pamapoka amakwai,
inotsika uye inobvambura ichienda,
pasina anogona kununura.
9Ruoko rwenyu ruchasimudzwa mukukunda
uye vadzivisi venyu vose vachaparadzwa.
10“Pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Jehovha,

“ndichaparadza mabhiza enyu pakati penyu
uye ndichapwanya ngoro dzenyu.
11Ndichaparadza maguta enyika yenyu
uye ndichaputsa nhare dzenyu dzose.
12Ndichaparadza uroyi hwako
uye hauchazovizve navavuki.
13Ndichaparadza zvifananidzo zvenyu
zvakavezwa neshongwe dzenyu pakati penyu;
hamuchazokotamiri
kubasa ramaoko enyu.
14Ndichadzura kubva pakati penyu matanda aAshera
uye ndichaparadza maguta enyu.
15Ndichatsiva nokutsamwa nehasha
kundudzi dzisina kunditeerera.”
Copyright information for SnaBDSC